intro chorus (JT Pamushina )
Mwari Wedenga ndimi Mwari wenyasha
ndoda mugare neni nevamwe vese
ndimi Mwari mumwe zuro nhasi nekusinga pere
munondibatsira inini ndoridza mhere
munomira neni munomira neni
munogadzira tafura pavavengi
verse 1 (Courage_Champs )
vakashamisika kundiona mavomuchurch
vamwe vatopla”na” kuda kundiita gochi gochi
kunditaka nemabwe kunditovera pacross
chiitai zvenyu zvamada iri izuva rangu nhasi
izvi hazvichade kuti ndidzoke kumashure ndinotenda murudo rwaMwari kunge Matius Mhere
nemabvi nemagokora ndapfugama ndaridza mhere
ndinodawo kuwana hupenyu husinga pere
chorus (JT Pamushina )
Mwari Wedenga ndimi Mwari wenyasha
ndoda mugare neni nevamwe vese
ndimi Mwari mumwe zuro nhasi nekusinga pere
munondibatsira inini ndoridza mhere
munomira neni munomira neni munogadzira tafura pavavengi
verse 2 (Courage_Champs)
Zvanzi ukatamba nembavha newewo wave mbavha
uye painonzi yaba newewo ndaona waba
asi tenzi wedenga ini handidi kukusiyayi
you know what because ndiri raMwari gwai
Mwari vanonditora vondiisa pamusoro
muhupenyu hwangu vanoda kuti ndiwane zororo
you know what hupenyu ndichochangu chikoro
kuzama tiri kuyedza wedenga titurei mutoro
chorus (JT Pamushina)
Mwari Wedenga ndimi Mwari wenyasha
ndoda mugare neni nevamwe vese
ndimi Mwari mumwe zuro nhasi nekusinga pere
munondibatsira inini ndoridza mhere
munomira neni munomira neni munogadzira tafura pavavengi
verse 3 (Courage_Champs)
Ndombogaya Mark, John, David, Joseph, Noah, Jacob,Ruth, Miriam, Solomon, Samson, Adam, Eva, Abraham
Mary, Jesus, Peter,Paul, Soul, Luke, Mathew, zvakakosha mirairo yaMwari inoda kutevedzwa
ndati hona kubata kwaMwari imbochere chedza
ndati hona kutanga kwehupenyu hwako pembe varidza
iwe hona kukunda kwawakaita matambudziko
hona hupenyu hwako kusvika parezvino
lot of celebrations bhora takandira mugedhi
varikuvharira musuwo ndakumbira ndivhurireiwo gedhi
muhupenyu munekutambudzika ngatinzwiranei ngoni
Jehovha mukuruwangu ndivhurireiwo gonhi
chorus(JT Pamushina)
Mwari Wedenga ndimi Mwari wenyasha
ndoda mugare neni nevamwe vese
ndimi Mwari mumwe zuro nhasi nekusinga pere
munondibatsira inini ndoridza mhere
munomira neni munomira neni munogadzira tafura pavavengi